Romans 2

Kutonga kwaMwari kwakarurama

1Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. 2Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. 3Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? 4Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?

5Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. 6Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” 7Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. 8Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha. 9Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere weDzimwe Ndudzi; 10asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere weDzimwe Ndudzi. 11Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.

12Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro. 13Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama. 14Zvirokwazvo, kana veDzimwe Ndudzi, vasina murayiro vachiita sokuberekwa kwavo zvinhu zvinodiwa nomurayiro, wava murayiro wavo pachavo kunyange zvazvo vasina murayiro. 15Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza. 16Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu.

VaJudha noMurayiro

17Zvino iwe, kana uchiti uri muJudha; kana uchivimba nomurayiro uye uchizvirumbidza pamusoro poukama hwako naMwari; 18kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro; 19kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima, 20murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi, 21zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here? 22Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here? 23Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here? 24Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati peveDzimwe Ndudzi nokuda kwenyu.”

25Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa. 26Kana vaya vasina kudzingiswa vakachengeta zvinodiwa nomurayiro, havangaonekwi savakadzingiswa here? 27Uyo asina kudzingiswa panyama asi achichengeta murayiro achakutonga iwe, kunyange zvako une murayiro wakanyorwa uye wakadzingiswa, asi uchidarika murayiro.

28Munhu haasi muJudha kana ari muJudha anoonekwa kunze chete, uye kudzingiswa hakuzi kwokunze kana kwapanyama chete. 29Kwete, munhu anova muJudha kana ari muJudha mukati, uye kudzingiswa kwomwoyo, noMweya, kwete kwezvakanyorwa. Kurumbidzwa kwomunhu akadaro hakubvi kuvanhu, asi kunobva kuna Mwari.

Copyright information for SnaBDSC